Ezekiel 32:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haʋaŋgaʋati pakati pemhare dzakaʋurawa dzaʋasina‐kudziŋgiswa, ʋakaɓurukira kuSheori ʋanenhumbi dzaʋo dzokurwa, ʋakaisa minondo yaʋo pasi pemisoro yaʋo, ɀakaipa ɀaʋo ɀiri pamsoro pamafupa aʋo; nokuti ʋaityisa mhare panyika yaʋapenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, havana kuvata navamwe varwi vasina kudzingiswa here, ivo vakafa, vakaburukira muguva vane zvombo zvavo zvehondo, uye minondo yavo yakaiswa pasi pemisoro yavo? Kurangwa nokuda kwezvivi zvavo kuri pamusoro pamapfupa avo, kunyange kutyisidzira kwavanhu ava kwakanga kwapararira munyika yavapenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi havana kuradzikwa pamwechete namagamba apasichigare vakadzika kunzvimbo yavachakabvu vaine zvombo zvavo zvehondo. Vakanga vakatsamira kumusoro mapakatwa avo, nhoo dzavo dziri pamapfupa avo nokuti kutya magamba avanhu kwakanga kwava munyika yavapenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Havangavati pakati pemhare dzakaurawa dzavasina kudzingiswa, vakaburukira kuSheori vane nhumbi dzavo dzokurwa, vakaisa minondo yavo pasi pemisoro yavo, zvakaipa zvavo zviri pamusoro pamapfupa avo; nokuti vaityisa mhare munyika yavapenyu.
Shona 2009?
Havangavati pakati pemhare dzakaurawa dzavasina kudzingiswa, vakaburukira kuSheori vane nhumbi dzavo dzokurwa, vakaisa minondo yavo pasi pemisoro yavo, zvakaipa zvavo zviri pamusoro pamapfupa avo; nokuti vaityisa mhare munyika yavapenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Havangavati pakati pemhare dzakaurayiwa dzavasina kudzingiswa, vakaburukira kuSheori vane nhumbi dzavo dzokurwa, vakaisa minondo yavo pasi pemisoro yavo, zvakaipa zvavo zviri pamusoro pamapfupa avo; nokuti vaityisa mhare munyika yavapenyu.