Ezekiel 32:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Macinda okurutiʋi rwokumsoro ari’po, iwo ose, naʋaSidoni ʋose ʋakaɓurukira pasi pamŋe cete naʋakaʋurawa; ʋakanyadziswa nokuɗa kwokutyisa kwakabva pasimba raʋo, ʋaʋete, ʋasina‐kudziŋgiswa, pamŋe cete naʋakaʋurawa nomunondo, ʋanemhoȿa yeɀinonyadzisa ɀaʋo pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Machinda ose okumusoro navaSidhoni variko; vakadzika navakaurayiwa mukunyadziswa kunyange simba ravo raityisa. Vakavata vasina kudzingiswa pamwe chete navakaurayiwa nomunondo vakatakura kunyadziswa kwavo pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Machinda okuchamhembe variko vose nevekuSidhoni vakadzika pamwechete vachinyara navakauraiwa pamusana pokutyisidzira kwavakaita nokuda kwesimba ravo. Vakaradzikwa vasina kudzingiswa vari pamwechete navakauraiwa nebakatwa rehondo. Vakanyara pamwechete navanhu vanoenda kugomba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Machinda okurutivi rwokumusoro aripo, iwo ose, navaSidhoni vose vakaburukira pasi pamwechete navakaurayiwa; vakanyadziswa nokuda kwokutyisa kwakabva pasimba ravo, vavete, vasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo, vane mhosva yezvinonyadzisa zvavo pamwechete navanoburukira kugomba.
Shona 2009?
"Machinda okurutivi rwokumusoro aripo, iwo ose, navaSidhoni vose vakaburukira pasi pamwechete navakaurayiwa; vakanyadziswa nokuda kokutyisa kwakabva pasimba ravo, vavete, vasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo, vane mhosva yezvinonyadzisa zvavo pamwechete navanoburukira kugomba.
Shona SUB 2002 Bible
“Machinda okurutivi rwokumusoro aripo, iwo ose, navaSidhoni vose vakaburukira pasi pamwechete navakaurayiwa; vakanyadziswa nokuda kwokutyisa kwakabva pasimba ravo, vavete, vasina kudzingiswa, pamwechete navakaurayiwa nomunondo, vane mhosva yezvinonyadzisa zvavo pamwechete navanoburukira kugomba.