Ezekiel 33:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, uti kuimba yaIsraeri: Imi munotaura, muciti: Ɀirokwaɀo, kuɗarika kweɗu neɀiʋi ɀeɗu ɀiri pamsoro peɗu, tinopera nokuɗa kwaɀo; ɀino ticararama seiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsraeri, ‘Izvi ndizvo zvamunoreva muchiti, “Kutadza kwedu nezvivi zvedu zvinotiremera, uye tapera nokuda kwazvo. Zvino tingararama seiko?”’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe mwanakomana womunhu taurira imba yokwaIsiraeri kuti, ‘Imi makati kukanganisa kwedu nezvitadzo zvedu zviri patiri, takagara nazvo. Torarama sei?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsiraeri, “Imi munotaura, muchiti, ‘Zvirokwazvo, kudarika kwedu nezvivi zvedu zviri pamusoro pedu, tinopera nokuda kwazvo; zvino tichararama seiko?’
Shona 2009?
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsiraeri, "Imi munotaura, muchiti, `Zvirokwazvo, kudarika kwedu nezvivi zvedu zviri pamusoro pedu, tinopera nokuda kwazvo; zvino tichararama seiko?'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuimba yaIsiraeri, “Imi munotaura, muchiti, ‘Zvirokwazvo, kudarika kwedu nezvivi zvedu zviri pamusoro pedu, tinopera nokuda kwazvo; zvino tichararama seiko?’