Ezekiel 33:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uti kwaʋari: Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeʋuke panzira yake; tendeʋukai, tendeʋukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti mucafireiko, imi imba yaIsraeri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uti kwavari, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handitongofariri rufu rwowakaipa, asi kuti vatendeuke kubva panzira dzavo vagorarama. Tendeukai! Tendeukai pazvakaipa zvenyu! Muchafireiko, imi imba yaIsraeri?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vataurire kuti zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, handifarire rufu rwomutadzi asi kuti mutadzi apinduke panzira yake ararame. Tendeukai, tendheukai panzira dzenyu dzakaipa, ko munodirei kufa, nhaimi vemba yaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Uti kwavari, ‘Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko, imi imba yaIsiraeri?’
Shona 2009?
"Uti kwavari, `Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko, imwi imba yaIsiraeri?'
Shona SUB 2002 Bible
“Uti kwavari, ‘Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko, imi imba yaIsiraeri?’