Ezekiel 33:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, uti kuʋana ʋaʋanhu ʋako: Kururama kwowakarurama hakuŋgamurwiri nezuʋa rokuɗarika kwake; ʋuye kana kuri kuipa kwowakaipa, haaŋgaparadzwi nako nezuʋa raanotendeʋuka pakuipa kwake; nowakarurama haaŋgararami nako nezuʋa raanotadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo, mwanakomana womunhu, uti kuvanhu venyika yako, ‘Kururama kwowakarurama hakugoni kumuponesa kana asingateereri, uye kuipa kwomunhu akaipa hakungamuiti kuti awe kana akatendeuka kubva pakuri. Munhu akarurama, kana akatadza, haangatenderwi kuti ararame nokuda kwokururama kwaaiva nako kare.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iwe mwanakomana womunhu, taurira vanhu vokwako kuti, ururami hwomunhu mururami haugoni kumuponesa kana akapara chitadzo. Kutadza kwomutadzi hakusiriko kunomuputsira pasi kana akapinduka kuuipi hwake. Mururami haagoni kurarama noururami hwake kana atadza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuvana vavanhu vako, ‘Kururama kwowakarurama hakungamurwiri nezuva rokudarika kwake; uye kana kuri kuipa kwowakaipa haangaparadzwi nako nezuva raanotendeuka pakuipa kwake; nowakarurama haangararami nako nezuva raanotadza.’
Shona 2009?
"Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuvana vavanhu vako, `Kururama kowakarurama hakungamurwiri nezuva rokudarika kwake; uye kana kuri kuipa kowakaipa haangaparadzwi nako nezuva raanotendeuka pakuipa kwake; nowakarurama haangararami nako nezuva raanotadza.'
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, uti kuvana vavanhu vako, ‘Kururama kwowakarurama hakungamurwiri nezuva rokudarika kwake; uye kana kuri kuipa kwowakaipa haangaparadzwi nako nezuva raanotendeuka pakuipa kwake; nowakarurama haangararami nako nezuva raanotadza.’