Ezekiel 33:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ndiciti kunowakarurama, kuti ɀirokwaɀo ucararama, kana akaʋimba nokururama kwake, akaita ɀakaipa, hakuna‐ɓasa rimŋe rake rakarurama ricaraŋgarirwa; asi nokuɗa kweɀakaipa ɀake ɀaakaita, ucafa nokuɗa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana ndikaudza munhu akarurama kuti achafa zvirokwazvo, asi zvino iye ovimba nokururama kwake, ndokuita zvakaipa, hakuna zvinhu zvakarurama zvaakaita kare zvicharangarirwa; achafa nokuda kwezvakaipa zvaakaita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange ndikati kumunhu wakarurama achararama, zvino iye wovimba noururami hwake wondotadza zvake, hapana zvakarurama zvaakaita zvinozomborangarirwa. Achafa muuipi hwaanenge aita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ndichiti kunowakarurama, kuti zvirokwazvo achararama, kana akavimba nokururama kwake, akaita zvakaipa, hakuna basa rimwe rake rakarurama richarangarirwa; asi nokuda kwezvakaipa zvake zvaakaita, achafa nokuda kwazvo.
Shona 2009?
Kana ndichiti kunowakarurama, kuti zvirokwazvo achararama, kana akavimba nokururama kwake, akaita zvakaipa, hakuna basa rimwe rake rakarurama richarangarirwa; asi nokuda kwezvakaipa zvake zvaakaita, achafa nokuda kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Kana ndichiti kuno wakarurama, kuti zvirokwazvo achararama, kana akavimba nokururama kwake, akaita zvakaipa, hakuna basa rimwe rake rakarurama richarangarirwa; asi nokuda kwezvakaipa zvake zvaakaita, achafa nokuda kwazvo.