Ezekiel 33:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ɀe, kana ndikati kunowakaipa: Ɀirokwaɀo ucafa; kana akatendeʋuka paɀiʋi ɀake, akazoita ɀakarairwa neɀakarurama;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Iwe uchafa zvirokwazvo,’ asi zvino iye akatendeuka pachivi chake uye akaita zvakanaka nezvakarurama,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uyewo kunyange ndikati kumunhu akaipa unofanira kutofa asi iye opinduka kuchivi chake oita zviri pamutemo zvakarurama,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyezve, kana ndikati kune wakaipa, ‘Zvirokwazvo uchafa;’ kana akatendeuka pazvivi zvake, akazoita zvakarairwa nezvakarurama;
Shona 2009?
Uyezve, kana ndikati kune wakaipa, `Zvirokwazvo uchafa;' kana akatendeuka pazvivi zvake, akazoita zvakarairwa nezvakarurama;
Shona SUB 2002 Bible
Uyezve, kana ndikati kune wakaipa, ‘Zvirokwazvo uchafa;’ kana akatendeuka pazvivi zvake, akazoita zvakarairwa nezvakarurama;