Ezekiel 33:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino negore regumi namaʋiri rokutapxa kweɗu, no mŋedzi wegumi, ne zuʋa reshanu romŋedzi, mumŋe wakaŋga apukunyuka paJerusarema wakaȿika kwandiri, aciti: Guta rakundwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugore regumi namaviri rokutapwa kwedu, nomwedzi wegumi pazuva reshanu, munhu akanga apunyuka paJerusarema akasvika kwandiri achiti, “Guta rawa!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugore regumi nechipiiri rokunge vanhu taendeswa kuutapwa, mumwedzi wegumi pazuva rechishanu racho romwedzi, mumwe murume akanga apunyuka kuJerusaremu akauya kwandiri akati, “Guta rakurirwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino negore regumi namaviri rokutapwa kwedu, nomwedzi wegumi, nezuva reshanu romwedzi, mumwe akanga apukunyuka muJerusaremu akasvika kwandiri, achiti, “Guta rakundwa.”
Shona 2009?
Zvino negore regumi namaviri rokutapwa kwedu, nomwedzi wegumi, nezuva reshanu romwedzi, mumwe akanga apukunyuka muJerusaremu akasvika kwandiri, achiti, "Guta rakundwa."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino negore regumi namaviri rokutapwa kwedu, nomwedzi wegumi, nezuva reshanu romwedzi, mumwe akanga apukunyuka muJerusaremu akasvika kwandiri, achiti, “Guta rakundwa.”