Ezekiel 33:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ruʋoko rwaJehova rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu maɗekwana, iye wakapukunyuka asati aȿika; wakaŋga ashamisa muromo waŋgu, kuȿikira iye aciȿika kwandiri maŋgwanani; muromo waŋgu ukashamiswa, ndikasazoʋa mbeʋeʋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino madekwana munhu uya asati asvika, ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akashamisa muromo wangu munhu uya asati asvika kwandiri mangwanani. Saka muromo wangu wakazarurwa ndikasazonyararazve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Simba roruoko rwaTenzi rakanga riri pandiri mauro acho munhu uya akatiza hondo asati asvika. Panguva yaakazosvika Mwari akanga atozarura muromo wangu mangwanani. Saizvozvo muromo wangu wakazaruka, ndakanga ndisisiri chimumu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu madekwana, iye akapukunyuka asati asvika; akanga ashamisa muromo wangu, kusvikira iye achisvika kwandiri mangwanani; muromo wangu ukashamiswa, ndikasazova mbeveve.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible