Ezekiel 33:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋanakomana womunhu, ʋanhu ʋagere panɀimbo idzo dzakaparadzwa panyika yaIsraeri, ʋanotaura ʋaciti: Abrahama wakaŋga ari mumŋe cete, akagara nhaka yenyika; asi isu tiri ʋazhinji, nyika yapiwe’su iʋe nhaka yeɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mwanakomana womunhu, vanhu vanogara mumatongo ayo munyika yaIsraeri vari kuti, “Abhurahama akange achingori munhu mumwe chete kunyange zvakadaro akatora nyika. Asi isu tiri vazhinji; zvirokwazvo nyika yakapiwa kwatiri senhaka yedu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe Mwanakoamana womunhu, vagari venzvimbo idzi dzave matongo munyika yeIsiraeri vanoramba vachiti, ‘Abhurahamu aingova munhu mumwechete asi nyika iyi yaiva yake. Asi isu takatowanda, saka nyika yakapiwa kwatiri kuti ive yedu.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mwanakomana womunhu, vanhu vagere panzvimbo idzo dzakaparadzwa munyika yaIsiraeri, vanotaura vachiti, ‘Abhurahamu akanga ari mumwechete, akagara nhaka yenyika; asi isu tiri vazhinji, nyika yapiwesu ivo nhaka yedu.’
Shona 2009?
"Mwanakomana womunhu, vanhu vagere panzvimbo idzo dzakaparadzwa munyika yaIsiraeri, vanotaura vachiti, `Abhurahamu akanga ari mumwechete, akagara nhaka yenyika; asi isu tiri vazhinji, nyika yapiwesu ive nhaka yedu.'
Shona SUB 2002 Bible
“Mwanakomana womunhu, vanhu vagere panzvimbo idzo dzakaparadzwa munyika yaIsiraeri, vanotaura vachiti, ‘Abhurahamu akanga ari mumwechete, akagara nhaka yenyika; asi isu tiri vazhinji, nyika yapiwesu ivo nhaka yedu.’