Ezekiel 33:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Citi kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Noʋupenyu bgaŋgu, ɀirokwaɀo ʋari panɀimbo dzakaparadzwa ʋacaparadzwa nomunondo, uri kuɓani ndicamuisa kuɀikara kuti adyiwe naɀo; ʋari munhare nomumapako ʋacafa nehosha yakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Taura kwavari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Zvirokwazvo noupenyu hwangu, vaya vakasara mumatongo vachaurayiwa nomunondo, vaya vari kumamisha, ndichavapa kuzvikara zvesango kuti zvivadye, uye vaya vari munhare nomumapako vachafa nehosha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vataurire kuti zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, ivo vari mumatongo ivavo vachauraiwa nehondo yebakatwa. Vanenge vari musango ndichavapa kuzvikara vadyiwe nezvikara. Vanenge vari munhare kana mumapako vachafa nedenda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Chiti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Noupenyu hwangu, zvirokwazvo vari panzvimbo dzakaparadzwa vachaparadzwa nomunondo, ari kubani ndichamuisa kuzvikara kuti adyiwe nazvo; vari munhare nomumapako vachafa nehosha yakaipa.
Shona 2009?
"Chiti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, `Noupenyu hwangu, zvirokwazvo vari panzvimbo dzakaparadzwa vachaparadzwa nomunondo, ari kubani ndichamuisa kuzvikara kuti adyiwe nazvo; vari munhare nomumapako vachafa nehosha yakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
“Chiti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Noupenyu hwangu, zvirokwazvo vari panzvimbo dzakaparadzwa vachaparadzwa nomunondo, ari kubani ndichamuisa kuzvikara kuti adyiwe nazvo; vari munhare nomumapako vachafa nechirwere chakaipa.