Ezekiel 33:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanoʋuya kwauri seɀinoita ʋanhu, ʋanogara pamberi pako seɀinoita ʋanhu ʋaŋgu, ʋanonzwa mashoko ako, asi haʋaaiti; nokuti ʋanotaura ɀoruɗo nemiromo yaʋo, asi mŋoyo yaʋo inoteʋera fuma yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vangu vanouya kwauri, sezvavanosiita, ndokugara pamberi pako kuti vateerere kumashoko ako, asi havaaiti. Vanondirumbidza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo inokarira pfuma yokusarurama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
izvozvi vachauya kwauri sokuuya kunongoita vanhu, vogara mberi kwako savanhu vangu, vachiteerera zvauri kutaura asi havambozviita. Zviripo ndezvokuti vanoratidza rudo rukuru zvepamuromo chete asi mwoyo wavo uri pane zvavangawane chete.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanouya kwauri sezvinoita vanhu, vanogara pamberi pako sezvinoita vanhu vangu, vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti; nokuti vanotaura zvorudo nemiromo yavo, asi mwoyo yavo inotevera pfuma yavo.’
Shona 2009?
Vanouya kwauri sezvinoita vanhu, vanogara pamberi pako sezvinoita vanhu vangu, vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti; nokuti vanotaura zvorudo nemiromo yavo, asi moyo yavo inotevera fuma yavo.'
Shona SUB 2002 Bible
Vanouya kwauri sezvinoita vanhu, vanogara pamberi pako sezvinoita vanhu vangu, vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti; nokuti vanotaura zvorudo nemiromo yavo, asi mwoyo yavo inotevera pfuma yavo.’