Ezekiel 33:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tarira, iwe wakaita kwaʋari sorwiyo rworuɗo runoimbga nounenzwi rinofadza, unogona kuridza mbira kwaɀo, nokuti ʋanonzwa mashoko ako, asi haʋaaiti.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvirokwazvo, iwe wakaita somunhu anoimba rwiyo rworudo kwavari nezwi rakaisvonaka nokuridza chiridzwa zvakanaka, nokuti vanonzwa mashoko ako asi havaaiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tarisa uone, iwe wakaita somunhu anoimba dzimbo dzorudo nezwi rakanakisa uchiridza chaunoridza. Nokuti vanonzwa zvaunotaura asi havazviiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino tarira, iwe wakaita kwavari somunhu anovaimbira sorwiyo rworudo runoimbwa nounezwi rinofadza, unogona kuridza mbira kwazvo, nokuti vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti.
Shona 2009?
"Zvino tarira, iwe wakaita kwavari somunhu anovaimbira sorwiyo rworudo runoimbwa nounenzwi rinofadza, unogona kuridza mbira kwazvo, nokuti vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino tarira, iwe wakaita kwavari somunhu anovaimbira sorwiyo rworudo runoimbwa nounezwi rinofadza, unogona kuridza mbira kwazvo, nokuti vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti.