Ezekiel 33:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana nharirire ikaʋona munondo uciʋuya, akasaridza hwamanda, ʋanhu ʋakasanyeʋerwa, munondo ukaȿika, ukabvisa mumŋe pakati paʋo, wabviswa hake nokuɗa kweɀakaipa ɀake, asi ropa rake ndicaribvunza paruʋoko rwenharirire.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya uye ikasaridza hwamanda kuti iyambire vanhu uye munondo ukasvika ukabvisa upenyu hwomumwe wavo, munhu uyo achabviswa hake nokuda kwechivi chake, asi ndichabvunza ropa rake kunharirire.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana nharirire ikaona bakatwa richiuya, munhu iyeyo akarega kuridza hwamanda, zvokuti vanhu vanosara vasina kuyambirwa, hondo yebakatwa iya youya yotora mumwe wavo. Munhu iyeyo akatorwa muhuipi hwake; ini mhosva yake ndichaiisa panharirire iyoyo.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana nharirire ikaona munondo ichiuya, akasaridza hwamanda, vanhu vakasanyeverwa, munondo ukasvika, ukabvisa mumwe pakati pavo, wabviswa hake nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwenharirire.’ ”
Shona 2009?
Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya, akasaridza hwamanda, vanhu vakasanyeverwa, munondo ukasvika, ukabvisa mumwe pakati pavo, wabviswa hake nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwenharirire.' "
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana nharirire ikaona munondo ichiuya, akasaridza hwamanda, vanhu vakasanyeverwa, munondo ukasvika, ukabvisa mumwe pakati pavo, wabviswa hake nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwenharirire.’ ”