Ezekiel 34:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndinemhaka naʋafudzi, ndicabvunza makwai aŋgu pamaʋoko aʋo, nokuʋadziʋisa kuzofudza makwai, ʋuye ʋafudzi haʋaŋgazoɀifudzi iʋo; ndicarwira makwai aŋgu pamiromo yaʋo, kuti arege kuzoʋa ɀokudya ɀaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka navafudzi uye vachazvidavirira pamusoro pamakwai angu. Ndichavabvisa pakufudza makwai angu kuitira kuti vafudzi varege kuzozvifudza pachavo. Ndicharwira makwai angu pamiromo yavo, uye haachazovi chokudya chavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chionai ndanangana navafudzi. Wandichabvunza wacho ndivo vafudzi. Ndichavamisa kufudza hwai dzacho zvokuzvifudza ivo vafudzi zvichapera. Ndichanunura hwai dzangu pamiromo yavo kuitira kuti dzirege kuva chokudya chavo.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarirai, ndine mhaka navafudzi, ndichabvunza makwai angu pamaoko avo, nokuvadzivisa kuzofudza makwai, uye vafudzi havangazozvifudzi ivo; ndicharwira makwai angu pamiromo yavo, kuti arege kuzova zvokudya zvavo.’
Shona 2009?
Zvanzi naIshe Jehovha, `Tarirai, ndine mhaka navafudzi, ndichabvunza makwai angu pamaoko avo, nokuvadzivisa kuzofudza makwai, uye vafudzi havangazozvifudzi ivo; ndicharwira makwai angu pamiromo yavo, kuti arege kuzova zvokudya zvavo.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarirai, ndine mhaka navafudzi, ndichabvunza makwai angu pamaoko avo, nokuvadzivisa kuzofudza makwai, uye vafudzi havangazozvifudzi ivo; ndicharwira makwai angu pamiromo yavo, kuti arege kuzova zvokudya zvavo.’