Ezekiel 34:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaaɓuɗisa pakati pamarudzi aʋanhu, nokuaʋuŋganidza kunyika dzose, ndiaȿitse kunyika yawo, ndicaafudza pamakomo aIsraeri, pahoʋa napanɀimbo dzose dzenyika dzakagarwa naʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaabudisa kubva kundudzi ndigoaunganidza kubva kunyika dzose, uye ndigoauyisa munyika yawo. Ndichaafudzira pamakomo aIsraeri, muhova, nomunzvimbo dzokugara dzose dzenyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichadziburitsa mukati memarudzi ndichidzikokorodza mudzinyika uye ndichadziunza munyika yadzo. Ndichadzifudzira mumakomo eIsiraeri nomuzvitubu zvemvura nomunogara vanhu mose zvamo munyika iyoyi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichaabudisa pakati pamarudzi avanhu, nokuaunganidza kunyika dzose, ndiasvitse kunyika yawo, ndichaafudza pamakomo aIsiraeri, pahova napanzvimbo dzose dzenyika dzakagarwa navanhu.
Shona 2009?
Ndichaabudisa pakati pamarudzi avanhu, nokuaunganidza kunyika dzose, ndiasvitse kunyika yawo, ndichaafudza pamakomo aIsiraeri, pahova napanzvimbo dzose dzenyika dzakagarwa navanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichaabudisa pakati pamarudzi avanhu, nokuaunganidza kunyika dzose, ndiasvitse kunyika yawo, ndichaafudza pamakomo aIsiraeri, pahova napanzvimbo dzose dzenyika dzakagarwa navanhu.