Ezekiel 34:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko munoti cinhu ciɗuku here ɀamakafura pamafuro akanaka, ɀino motsika netsoka dzenyu mafuro enyu akasara?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, hazvina kuringana kwamuri here kuti mudye pamafuro akanaka? Zvakafanira here kuti mutsike netsoka dzenyu mafuro enyu akasara? Ko, hazvina kuringana here kuti munwe mvura yakachena? Ko, zvakafanira here kuti musvibise mvura yakasara namakumbo enyu?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hazvikwane here kwamuri kuti mufure mumafuro akanaka zvamunobva matsokodzera zvenyu mafuro mamwe ose netsoka dzenyu? Hazvikwane here kwamuri kuti mumwe mvura yakachena, zvamunobva mabvongodza imwe yose namakumbo enyu?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko munoti chinhu chiduku here zvamakafura pamafuro akanaka, zvino motsika netsoka dzenyu mafuro enyu akasara?
Shona 2009?
Ko munoti chinhu chiduku here zvamakafura pamafuro akanaka, zvino motsika netsoka dzenyu mafuro enyu akasara?
Shona SUB 2002 Bible
Ko munoti chinhu chiduku here zvamakafura pamafuro akanaka, zvino motsika netsoka dzenyu mafuro enyu akasara?