Ezekiel 34:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Miti iri kusaŋgo icaɓereka ɀiɓereko ɀayo, nenyika icaɓereka ɀayo, ʋacagara ɀakanaka panyika yaʋo; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, neŋguʋa yandinovuna matanda ejoko raʋo, nokuʋarwira pamaʋoko aʋaiʋaɓatisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Miti yesango ichabereka michero yayo uye ivhu richabereka zvibereko zvaro; vanhu vachagara zvakanaka panyika yavo. Vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichavhuna mazariro amajoko avo ndigovanunura kubva mumaoko aavo vanovaita nhapwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo miti yomusango ichabereka michero yayo, nyika ichaberekawo michero yayo, vachagara pasina chinovawana. Vachaziva zvavo kuti ndini Tenzi pandichatyora zvikei zvejoko ravo ndichivanunura mumaoko mavanhu vanovaita varanda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Miti iri kusango ichabereka zvibereko zvayo, nenyika ichabereka zvayo, vachagara zvakanaka panyika yavo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinovhuna matanda ejoko ravo, nokuvarwira pamaoko avaivabatisa.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible