Ezekiel 34:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaʋamedzera miti inorumbidzwa, haʋaŋgazopedzwi nenzara panyika yaʋo, kana kuzoshoʋorwa namarudzi aʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichavapa nyika inozivikanwa nokuda kwezvibereko zvayo, uye havangazovi nedambudziko renzara munyika kana kuva chinhu chinosekwa nendudzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichavaita kuti vave nenzvimbo yokurima ine mukurumbira zvokuti havazombopararizve neshangwa yenzara munyika imomo kana kuzonyarazve nokusveeredzwa namarudzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichavameresera miti inorumbidzwa, havangazofa nenzara munyika yavo, kana kuzoshorwa namarudzi avanhu.
Shona 2009?
Ndichavameresera miti inorumbidzwa, havangazofa nenzara munyika yavo, kana kuzoshorwa namarudzi avanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichavameresera miti inorumbidzwa, havangazofa nenzara munyika yavo, kana kuzoshorwa namarudzi avanhu.