Ezekiel 34:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hamuna‐kusimbisa anoshaiwa simba, kana kurapa anorwara, kana kupombera akavunika, kana kudzosa akadziŋgwa, kana kundotȿaka akarashika, asi makaaɓata nesimba nehasha.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hamuna kusimbisa asina simba kana kurapa anorwara kana kusunga akakuvara. Hamuna kutsvaka akarasika kana kudzosa akadzingwa. Makaabata nehasha noutsinye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dzakarukutika hamuna kudzisimbisa, dzinorwara hamuna kudzirapa, dzakatyoka makumbo hamuna kudzisunga kasekete, dzinotetereka hamuna kudzidzora, dzakarasika hamuna kudzitsvaga. Uye makadzitonga nechisimba nehasha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hamuna kusimbisa anoshayiwa simba, kana kurapa anorwara, kana kudzosa akadzingwa, kana kundotsvaka akarasika, asi makaabata nesimba nehasha.
Shona 2009?
Hamuna kusimbisa anoshayiwa simba, kana kurapa anorwara, kana kudzosa akadzingwa, kana kundotsvaka akarasika, asi makaabata nesimba nehasha.
Shona SUB 2002 Bible
Hamuna kusimbisa anoshayiwa simba, kana kurapa anorwara, kana kudzosa akadzingwa, kana kundotsvaka akarasika, asi makaabata nesimba nehasha.