Ezekiel 35:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe ucaziʋa kuti ini Jehova ndakanzwa kumhura kwako kwose kwawakataura pamsoro pamakomo aIsraeri, uciti: Akaparadzwa, takaapiwa isu ɀiʋe ɀokudya ɀeɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo uchaziva kuti ini Jehovha ndakanzwa zvose zvinonyadza zvawakataura zvinorwisa makomo eIsraeri. Iwe wakati, “Akaparadzwa uye akapiwa kwatiri kuti tiadye.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndipo pauchaziva kuti ini Tenzi ndakanzwa zvose zvokushora kwawakaita makomo eIsiraeri uchiti aitwa renje zvaro, aiswa mumaoko medu kuti tiaparadze.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iwe uchaziva kuti ini Jehovha ndakanzwa kumhura kwako kwose kwawakataura pamusoro pamakomo aIsiraeri, uchiti, ‘Akaparadzwa, takaapiwa isu zvive zvokudya zvedu.’
Shona 2009?
lwe uchaziva kuti ini Jehovha ndakanzwa kumhura kwako kose kwawakataura pamusoro pamakomo aIsiraeri, uchiti, `Akaparadzwa, takaapiwa isu zvive zvokudya zvedu.'
Shona SUB 2002 Bible
Iwe uchaziva kuti ini Jehovha ndakanzwa kumhura kwako kwose kwawakataura pamusoro pamakomo aIsiraeri, uchiti, ‘Akaparadzwa, takaapiwa isu zvive zvokudya zvedu.’