Ezekiel 36:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndicawanza pamsoro penyu ʋanhu neɀipfuwo, ʋacawanda nokuɓereka; ndicagarisa ʋanhu mukati menyu, seɀamakaŋga makaita kare, nokukuitirai ɀakanaka ɀinopfuʋura ɀapakuʋamba kwenyu; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichawedzera kuwanda kwavanhu nezvipfuwo pamusoro pako uye vachava nezvibereko vagowanda kwazvo. Ndichagarisa vanhu mauri sezvazvakanga zvakaita kare uye ndichaita kuti mubudirire kupfuura pakutanga. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uye ndichaita kuti vanhu nemhuka zvitekeshere mamuri zviberekane zviwande. Ndichakonzera kuti vanhu vagare mamuri sapakutanga uye ndichakuitirai zvakanaka zvakawanda kupinda kare. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndichawanza pamusoro penyu vanhu nezvipfuwo, vachawanda nokuberekana; ndichagarisa vanhu mukati menyu, sezvamakanga makaita kare, nokukuitirai zvakanaka zvinopfuura zvapakuvamba kwenyu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible