Ezekiel 36:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo citi kuimba yaIsraeri: Ɀanzi naShe Jehova: Handiiti cinhu ici nokuɗa kwako, iwe imba yaIsraeri, asi nokuɗa kwezita raŋgu dɀene ramakamhura pakati pamarudzi kwamakaenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Hakusi kuda kwenyu, imi imba yaIsraeri, kuti ndiite zvinhu izvi, asi imhaka yezita dzvene, ramakasvibisa pakati pendudzi kwamakaenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Naizvozvo taurira imba yaIsiraeri kuti zvanzi naTenzi Mwari zvandavakuita handisi kuitira imi vemba yaIsiraeri asi pamusana pezita rangu rinoera ramakan'oresa mukati memarudzi kwamakaenda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo chiti kuimba yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Handiiti chinhu ichi nokuda kwako, iwe imba yaIsiraeri, asi nokuda kwezita rangu dzvene ramakamhura pakati pamarudzi kwamakaenda.’
Shona 2009?
"Naizvozvo chiti kuimba yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, `Handiiti chinhu ichi nokuda kwako, iwe imba yaIsiraeri, asi nokuda kwezita rangu dzvene ramakamhura pakati pamarudzi kwamakaenda.'
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo chiti kuimba yaIsiraeri, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Handiiti chinhu ichi nokuda kwako, iwe imba yaIsiraeri, asi nokuda kwezita rangu dzvene ramakamhura pakati pamarudzi kwamakaenda.’