Ezekiel 36:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Zita raŋgu guru ndicariita dɀene, iro rakamhurwa pakati pamarudzi, ramakamhura imi pakati paʋo; ɀino marudzi acaziʋa kuti ndini Jehova, neŋguʋa yandicaitwa mutȿene mamuri pamberi paʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndicharatidza utsvene hwezita rangu guru, rakanga rasvibiswa pakati pendudzi, iro zita ramakasvibisa pakati pavo. Ipapo ndudzi dzichaziva kuti ndini Jehovha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, panguva yandinoratidza utsvene hwangu kubudikidza newe pamberi pavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndicharatidza kuyera kwezita rangu guru rakan'oreswa mukati memarudzi, ramakan'oresa iyemi mukati mavo. Marudzi achaziva kuti ndini Tenzi, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Ipapo ndinenge ndazviita nemamuri ndichiratidza kuyera kwangu ivo vachiona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zita rangu guru ndichariita dzvene, iro rakamhurwa pakati pamarudzi, ramakamhura imi pakati pavo; zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandichaitwa mutsvene mamuri pamberi pavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona 2009?
"Zita rangu guru ndichariita dzvene, iro rakamhurwa pakati pamarudzi, ramakamhura imwi pakati pavo; zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandichaitwa mutsvene mamuri pamberi pavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Zita rangu guru ndichariita dzvene, iro rakamhurwa pakati pamarudzi, ramakamhura imi pakati pavo; zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandichaitwa mutsvene mamuri pamberi pavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.