Ezekiel 36:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Handiiti iɀoɀi nokuɗa kwenyu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — muziʋe iɀoɀo; nyarai muʋe nenyadzi pamsoro pomufambire wenyu, imi imba yaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinoda kuti muzive kuti handisi kuita izvi nokuda kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Nyaraiwo uye munyadziswe nokuda kwamaitiro enyu, imi, imba yaIsraeri!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvandinenge ndichiita ndinenge ndisingaitire imi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Zvizivei izvozvo. Nyaraiwo, munyarewo nezviito zvenyu imi vemba yaIsiraeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Handiiti izvozvi nokuda kwenyu,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha muzive izvozvo; nyarai muve nenyadzi pamusoro pomufambiro wenyu, imi imba yaIsiraeri.
Shona 2009?
Handiiti izvozvi nokuda kwenyu," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha muzive izvozvo; nyarai muve nenyadzi pamusoro pomufambiro wenyu, imwi imba yaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Handiiti izvozvi nokuda kwenyu,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha muzive izvozvo; nyarai muve nenyadzi pamusoro pomufambiro wenyu, imi imba yaIsiraeri.