Ezekiel 37:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, mafupa awa ndiyo imba yose yaIsraeri. Tarira iʋo ʋanoti: Mafupa eɗu awoma, tariro yeɗu yaenda, taparadzwa cose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya ndiyo imba yose yaIsraeri. Ivo vanoti, ‘Mapfupa edu aoma uye hatisisina tariro; taparadzwa hedu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu mapfupa iwaya ndiyo imba yose yaIsiraeri; onaka kuti vanoti mapfupa edu aoma chitarisiro chedu chapera uye taparara isu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mapfupa awa ndiyo imba yose yaIsiraeri. Tarira ivo vanoti, ‘Mapfupa edu aoma, tariro yedu yaenda, taparadzwa chose.’
Shona 2009?
Zvino akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, mapfupa awa ndiyo imba yose yaIsiraeri. Tarira ivo vanoti, `Mapfupa edu aoma, tariro yedu yaenda, taparadzwa chose.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya ndiyo imba yose yaIsiraeri. Tarira ivo vanoti, ‘Mapfupa edu aoma, tariro yedu yaenda, taparadzwa chose.’