Ezekiel 37:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaisa Mŋeya waŋgu mukati menyu, murarame, ndicakuisai munyika yenyu; ɀino mucaziʋa kuti ini Jehova ndakaɀitaura ndikaɀiita — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaisa mweya wangu mukati menyu mugorarama, uye ndichakugarisai munyika yenyu. Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura, uye ndakazviita, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaisa mweya wangu mamuri muchiva vapenyu. Ndichakuisai munyika menyu, ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi ndataura uye ndini ndazviita.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichaisa mweya wangu mukati menyu, murarame, ndichakuisai munyika yenyu; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura ndikazviita,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Ndichaisa mweya wangu mukati menyu, murarame, ndichakuisai munyika yenyu; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura ndikazviita,' " ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichaisa mweya wangu mukati menyu, murarame, ndichakuisai munyika yenyu; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakazvitaura ndikazviita,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha.