Ezekiel 37:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwandiri: Mŋanakomana, mafupa awa aŋgararama here? Ndikapindura, ndikati: Imi Ishe Jehova munoɀiziʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya angararama here?” Ini ndakati, “Imi Ishe Jehovha, iyemi moga munoziva.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Akanditi nhai mwanakomana womunhu mapfupa aya angava mapenyu here?” Ini ndakati, “Imi Tenzi Mwari ndimi munoziva.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwandiri, “Mwanakomana, mapfupa awa angararama here?” Ndikapindura, ndikati, “Imi Ishe Jehovha munozviziva.”
Shona 2009?
Akati kwandiri, "Mwanakomana, mapfupa awa angararama here?" Ndikapindura, ndikati, "Imi Ishe Jehovha munozviziva."
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwandiri, “Mwanakomana, mapfupa aya angararama here?” Ndikapindura, ndikati, “Imi Ishe Jehovha munozviziva.”