Ezekiel 37:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akati kwandiri: Profitera kumhepo, profita, mŋanakomana womunhu, uti kumhepo: Ɀanzi naShe Jehova: Ʋuya ucibva kumatiʋi manna anobva mhepo, iwe mŋeya, ufuridzire pamsoro paʋaʋa ʋakaʋurawa, kuti ʋararame.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akati kwandiri, “Profita kumhepo; profita, mwanakomana womunhu, uti kwairi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Uya uchibva kumhepo ina, iwe mweya, ufemere mukati maava vakaurayiwa, kuti vararame.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazonditi porofita kumweya, mwanakomana womunhu, porofita uti kumweya, zvanzi naTenzi Mwari, “Iwe mweya uya uchibva kumativi mana ufemere pane vakauraiwa ava kuti vave vapenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akati kwandiri, “Porofitera kumhepo, porofita, Mwanakomana womunhu, uti kumhepo, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Uya uchibva kumativi mana anobva mhepo, iwe mweya, ufuridzire pamusoro pavava vakaurawa, kuti vararame.’ ”
Shona 2009?
Ipapo akati kwandiri, "porofitira kumhepo, porofita, Mwanakomana womunhu, uti kumhepo, zvanzi naIshe Jehovha, `Uya uchibva kumativi mana anobva mhepo, iwe mweya, ufuridzire pamusoro pavava vakaurawa, kuti vararame.' "
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akati kwandiri, “Porofitera kumhepo, porofita, Mwanakomana womunhu, uti kumhepo, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Uya uchibva kumativi mana anobva mhepo, iwe mweya, ufuridzire pamusoro pavava vakaurayiwa, kuti vararame.’ ”