Ezekiel 38:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nditore’ko ɀandiŋgapamba neɀandiŋgatapa; kuti utambanudzire ruʋoko rwako kuzorwa nenɀimbo dzakaŋga dzaparadzwa dzinogarwa ɀino, nokurudzi rwakaʋuŋganidzwa kumarudzi aʋanhu, ʋakawana ɀipfuwo nefuma, ʋagere pakati penyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichapamba nokuba, ndichasimudza ruoko rwangu kuti ndirwise matongo ogarwa navanhu uye vanhu vakaungana kubva kundudzi vakapfuma pazvipfuwo nenhumbi, vagere pakati penyika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kundopamba zvinhu nokutakura zvinhu zvokupamba nokurwisa matongo ava kugara vanhu navanhu vaya vakakokorodzwa kubva kunamamwe marudzi avanhu vane mombe nezvinhu, vagere pakatikati penyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nditoreko zvandingapamba nezvandingatapa; kuti utambanudzire ruoko rwako kuzorwa nenzvimbo dzakanga dzaparadzwa dzinogarwa zvino, nokurudzi rwakaunganidzwa kumarudzi avanhu, vakawana zvipfuwo nepfuma, vagere pakati penyika.’
Shona 2009?
nditoreko zvandingapamba nezvandingatapa; kuti utambanudzire ruoko rwako kuzorwa nenzvimbo dzakanga dzaparadzwa dzinogarwa zvino, nokurudzi rwakaunganidzwa kumarudzi avanhu, vakawana zvipfuwo nefuma, vagere pakati penyika:
Shona SUB 2002 Bible
nditoreko zvandingapamba nezvandingatapa; kuti utambanudzire ruoko rwako kuzorwa nenzvimbo dzakanga dzaparadzwa dzinogarwa zvino, nokurudzi rwakaunganidzwa kumarudzi avanhu, vakawana zvipfuwo nepfuma, vagere pakati penyika.’