Ezekiel 38:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Sheba neDedani naʋashambadziri ʋeTarshishi, pamŋe cete neshumba ɗuku dzose dza’po, ʋacati kwauri: Waʋuya kuzotora ɀakapambga here? Waʋunganidza ɓoka rako kuzotora ɀakatapxa here? Kuti utore sirveri nendarama, kuti utore ɀipfuwo nefuma, kuti utore ɀakapambga ɀizhinji here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shebha neDhedhani navashambadziri vokuTashishi nemisha yaro yose vachati kwauri, “Wauya kuzopamba here? Waunganidza vanhu kuti vatore zvipfuwo nenhumbi uye kuti utore zvakapambwa zvizhinji here?” ’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VeShebha neDhedhani navanhu vemhindu dzokutengeserana vokuTashishi nemisha yayo vachati kwauri, ‘Mauya here kuzopamba zvinhu? Maunganidzira hondo yenyu kuzotakura zvinhu zvokupamba, kutakura sirivha nendarama nokuzotora zvipfuwo nezvinhu nokuzopamba zvinhu zvakawanda here?’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shebha neDhedhani navashambadziri veTarishishi, pamwechete neshumba duku dzose dzapo, vachati kwauri, ‘Wauya kuzotora zvakapambwa here? Waunganidza boka rako kuzotora zvakatapwa kuti utore zvipfuwo nepfuma, kuti utore zvakapambwa zvizhinji here?’ ”
Shona 2009?
Shebha neDhedhani navashambadziri veTarishishi, pamwechete neshumba duku dzose dzapo, vachati kwauri, `Wauya kuzotora zvakapambwa here? Waunganidza boka rako kuzotora zvakatapwa kuti utore zvipfuwo nefuma, kuti utore zvakapambwa zvizhinji here?' "
Shona SUB 2002 Bible
Shebha neDhedhani navashambadziri veTashishi, pamwechete neshumba duku dzose dzapo, vachati kwauri, ‘Wauya kuzotora zvakapambwa here? Waunganidza boka rako kuzotora zvakatapwa kuti utore zvipfuwo nepfuma, kuti utore zvakapambwa zvizhinji here?’ ”