Ezekiel 38:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuɗaro kuti hoʋe dzeguŋgwa, neshiri dzokuɗeŋga, nemhuka dzesaŋgo, neɀinokambaira ɀose ɀinokambaira panyika, naʋanhu ʋose ʋari pasi pose, ɀicazunuŋguka pamberi paŋgu, namakomo acawiswa pasi, namawere acawira pasi, noruȿiŋgo rumŋe norumŋe rucawira pasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hove dzegungwa, shiri dzedenga, mhuka dzesango, nezvose zvinokambaria panyika, navanhu vose vari pamusoro penyika vachadedera pamberi pangu. Makomo achapidiguka, namawere achaondomoka uye rusvingo rumwe norumwe ruchawira pasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hove dzegungwa neshiri dzedenga nemhuka dzesango nezvose zvinokambaira nokuzvova napasi navanhu vose zvavo vari panyika zvichahuta kudedera nokuvapo kwangu. Makomo achawisirwa pasi hunguruhwe dzamatombo dzichitozomokera pasi madziro ose achikoromokera pasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokudaro kuti hove negungwa, neshiri dzokudenga, nemhuka dzesango, nezvinokambayira zvose zvinokambayira panyika, navanhu vose vari pasi pose, zvichazununguka pamberi pangu, namakomo achawiswa pasi, namawere achawira pasi, norusvingo rumwe norumwe ruchawira pasi.
Shona 2009?
nokudaro kuti hove dzegungwa, neshiri dzokudenga, nemhuka dzesango, nezvinokambayira zvose zvinokambayira panyika, navanhu vose vari pasi pose, zvichazununguka pamberi pangu, namakomo achawiswa pasi, namawere achawira pasi, norusvingo rumwe norumwe ruchawira pasi.
Shona SUB 2002 Bible
nokudaro kuti hove negungwa, neshiri dzokudenga, nemhuka dzesango, nezvinokambayira zvose zvinokambayira panyika, navanhu vose vari pasi pose, zvichazununguka pamberi pangu, namakomo achawiswa pasi, namawere achawira pasi, norusvingo rumwe norumwe ruchawira pasi.