Ezekiel 38:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mazuʋa mazhinji apfuʋura, ucashanyirwa; pamakore okupedzisira ucapinda munyika yakarwirwa pamunondo, yakaʋuŋganidzwa icibva kumarudzi mazhinji, pamakomo aIsraeri, aigara akaparadzwa; asi yadzoswa icibva kumarudzi aʋanhu, ʋose ʋacagara ɀakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwamazuva mazhinji iwe uchadanidzira hondo. Pamakore anotevera, iwe uchakomba nyika yakabva muhondo, ina vanhu vakaunganidzwa kubva kundudzi zhinji kumakomo aIsraeri, akanga ava dongo kwenguva huru. Vakabudiswa kubva kundudzi, zvino vose vachagara zvakanaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure memazuva mazhinji uchataurirwa zvaunofanira kuti uite, mushure memakore achauya uchandorwisa nyika inenge yambozororawo hondo, nyika yavanhu vanenge vakokorodzwa kubva kumarudzi akawanda mumakomo eIsiraeri yainge yava renje rokugara rakadaro. Vanhu vayo vakakokorodzwa kubva kumarudzi, pari zvino votogarawo zvavo vasina chinovawana vose zvavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana mazuva mazhinji apfuura, uchashanyirwa; pamakore okupedzisira uchapinda munyika yakarwirwa nomundo, yakaunganidzwa ichibva kumarudzi mazhinji, pamakomo aIsiraeri, aigara akaparadzwa; asi yadzoswa ichibva kumarudzi avanhu, vose vachagara zvakanaka.
Shona 2009?
Kana mazuva mazhinji apfuura, uchashanyirwa; pamakore okupedzisira uchapinda munyika yakarwirwa pamunondo, yakaunganidzwa ichibva kumarudzi mazhinji, pamakomo aIsiraeri, aigara akaparadzwa; asi yadzoswa ichibva kumarudzi avanhu, vose vachagara zvakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Kana mazuva mazhinji apfuura, uchashanyirwa; pamakore okupedzisira uchapinda munyika yakarwirwa nomundo, yakaunganidzwa ichibva kumarudzi mazhinji, pamakomo aIsiraeri, aigara akaparadzwa; asi yadzoswa ichibva kumarudzi avanhu, vose vachagara zvakanaka.