Ezekiel 39:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nezuʋa iro ndicapa Gogi nɀimbo yamarinda pakati paIsraeri, iwo mupata waʋafambi kurutiʋi rwamabvazuʋa rweguŋgwa; iɀeɀo ɀicadziʋisa ʋanopfuʋura napo; ipapo ʋacaʋiga Gogi naʋanhu ʋake ʋazhinji ʋose, ndokupatumidza zita rinonzi Hamoni‐Gogi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Pazuva iro, ndichapa Gogi nzvimbo yamakuva muIsraeri, mumupata wavaya vanoshanya vachienda kumabvazuva vakananga kugungwa. Ichadzivirira nzira yavashanyi, nokuti Gogi navanhu vake vachavigwapo. Saka ichatumidzwa kunzi Mupata waHamoni Gogi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pazuva iroro ndichapa Gogu nzvimbo yokuviga vanhu muIsiraeri, nzvimbo yeBani reVerwendo kumabvazuva kwegungwa uchadzivirira verwendo nokuti imomo ndomunenge makavigwa Gogu nemhomho yake yose. Ichange yava kunzi, ‘Baniremhomhoyokwagogu.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino nezuva iro ndichapa Gogi nzvimbo yamarinda pakati pavaIsiraeri, mumupata wavafambi kurutivi rwamabvazuva rwegungwa; izvozvo zvichadzivisa vanopfuura napo; ipapo vachaviga Gogi navanhu vake vazhinji vose, ndokupatumidza zita rinonzi, ‘Hamonigogi.’
Shona 2009?
"Zvino nezuva iro ndichapa Gogi nzvimbo yamarinda pakati pavaIsiraeri, mumupata wavafambi kurutivi rwamabvazuva rwegungwa; izvozvo zvichadzivisa vanopfuura napo; ipapo vachaviga Gogi navanhu vake vazhinji vose, ndokupatumidza zita rinonzi, `Hamonigogi
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino nezuva iro ndichapa Gogi nzvimbo yamarinda pakati paVaIsiraeri, mumupata wavafambi kurutivi rwamabvazuva rwegungwa; izvozvo zvichadzivisa vanopfuura napo; ipapo vachaviga Gogi navanhu vake vazhinji vose, ndokupatumidza zita rinonzi, ‘Hamonigogi.’