Ezekiel 39:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, ɀanzi naShe Jehova: Taura neshiri dzamarudzi ose, nemhuka dzose dzesaŋgo, uti: Ʋuŋganai, muʋuye; muʋuŋgane mucibva kumatiʋi ose, muʋuye kuciɓayiro caŋgu candinokuɓayirai, ciɓayiro cikuru pamakomo aIsraeri, kuti mudye nyama nokunwa ropa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha: Danidzira kumarudzi ose eshiri uye nemhuka dzose dzesango uti, ‘Unganai uye muve pamwe chete muchibva kwose kwose muuye kuchibayiro chandiri kukugadzirirai, chibayiro chikuru pamusoro pamakomo eIsraeri. Muchadya nyama nokunwa ropa ipapo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi iwe mwanakomana womunhu zvanzi naTenzi Mwari taura kushiri dzemhando dzose nokumhuka dzose dzesango kuti unganai muuye, kokorodzanai kumativi ose kumabiko echibayiro andiri kukugadzirirai, mabiko makuru echibayiro pamakomo eIsiraeri. Muchadya nyama nokunwa ropa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, “Taura neshiri dzamarudzi ose, nemhuka dzose dzesango, uti, ‘Unganai, muuye muungane muchibva kumativi ose, muuye kuchibayiro chikuru pamakomo aIsiraeri, kuti mudye nyama nokunwa ropa.’
Shona 2009?
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, "Taura neshiri dzamarudzi ose, nemhuka dzose dzesango, uti, `Unganai, muuye muungane muchibva kumativi ose, muuye kuchibayiro chikuru pamakomo aIsiraeri, kuti mudye nyama nokumwa ropa.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha, “Taura neshiri dzamarudzi ose, nemhuka dzose dzesango, uti, ‘Unganai, muuye muungane muchibva kumativi ose, muuye kuchibayiro chikuru pamakomo aIsiraeri, kuti mudye nyama nokunwa ropa.’