Ezekiel 39:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mucadya nyama yaʋanesimba, nokunwa ropa ramacinda enyika, ramakondobge, neramakwaiana, nerembudzi, nerenzombe, ɀose ɀiri ɀakakodzwa ɀeBashani.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muchadya nyama yavarume vane simba nokunwa ropa ramachinda enyika kunge ramakondohwe, neremakwayana, nerembudzi uye rehando, mhuka dzose dzakakodzwa dzinobva kuBhashani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muchatodya zvenyu nyama yamagamba muchinwa ropa ramachinda apanyika ndovanenge vari hondohwe nehwayana nembudzi nehandira dzacho vose zvavo vari ivo zvipfuwo zvacho zvakakodzwa zveBhashani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Muchadya nyama yavane simba, nokunwa ropa ramachinda enyika, ramakondobwe, neramakwayana, nerembudzi, nerenzombe, zvose zviri zvakakodzwa zveBhashani.
Shona 2009?
"Muchadya nyama yavane simba, nokumwa ropa ramachinda enyika, ramakondobwe, neramakwayana, nerembudzi, nerenzombe, zvose zviri zvakakodzwa zveBhashani.
Shona SUB 2002 Bible
“Muchadya nyama yavane simba, nokunwa ropa ramachinda enyika, ramakondohwe, neramakwayana, nerembudzi, nerenzombe, zvose zviri zvakakodzwa zveBhashani.