Ezekiel 4:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati ʋo kwandiri: Mŋanakomana womunhu, tarira ndicavuna muɗonɀo weɀokudya paJerusarema; ʋacadya ɀokudya ɀakayerwa ʋacitya, ʋacanwa mvura yakayerwa, ʋacivunduka;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino akazoti kwandiri, “Mwanakomana womunhu, ndichamisa kupiwa kwezvokudya muJerusarema. Vanhu vachadya zvokudya zvakayerwa vachifunganya uye vachanwa mvura yakayerwa vapererwa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akanditizve, “Iwe mwanakomana womunhu, chiona, ndichashomekesa kuwanda kwechokudya muJerusaremu. Vachadya chokudya chavo chichiita zvokutopimirwa vachitya, uye mvura yavo vachinwa ichiita zvokutoyererwa vachidumbirwa nazvo,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatiwo kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira ndichavhuna mudonzvo wezvokudya paJerusaremu; vachadya zvokudya zvakayerwa vachitya, vachanwa mvura yakayerwa, vachivhunduka;
Shona 2009?
Akatiwo kwandiri, "Mwanakomana womunhu, tarira ndichavhuna mudonzvo wezvokudya paJerusaremu; vachadya zvokudya zvakayerwa vachitya, vachamwa mvura yakayerwa, vachivhunduka;
Shona SUB 2002 Bible
Akatiwo kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira ndichavhuna mudonzvo wezvokudya paJerusaremu; vachadya zvokudya zvakayerwa vachitya, vachanwa mvura yakayerwa, vachivhunduka;