Ezekiel 4:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino utore gaŋgo reɗare, urigadze pakati pako neguta, ruʋe ruȿiŋgo rweɗare; ɀino urinzire ciso cako kwariri, ipapo ricaʋa guta rakakombga nehondo, iwe ndiwe ucarikomba. Ici cicaʋa ciratidzo kuimba yaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo utore pani yesimbi, ugoimisa sorusvingo rwesimbi pakati pako iwe neguta ugorinzira chiso chako kwariri. Richakombwa, uye iwe ucharikomba. Ichi chichava chiratidzo kuimba yaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Unozotorawo chirata chesimbi wochimisa chakaita sorusvingo rwesimbi ruri pakati pako neguta racho iroro. Iwe wobva wanyatsotarisana naro uriite segutawo ratova mukukombwa chaimo uite kuti kukombwa kwacho kubva kwanyatsotsviriridzawo chaizvo. Ichochi ichi chiratidzo chokuitira imba yaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino utore gango redare, urigadze pakati pako neguta, ruve rusvingo rwedare; zvino urinzire chiso chako kwariri, ipapo richava guta rakakombwa nehondo, iwe ndiwe ucharikomba. Ichi chichava chiratidzo kuimba yaIsiraeri.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible