Ezekiel 4:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino utore ʋo ɀiyo nebari nenyimo nenyemba namapfunde nesipereti uɀiise mumudziyo mumŋe, ugoɀiitira ciŋgwa naɀo; unofanira kucidya mazuʋa aunoʋata pasi parutiʋi rwako, iwo mazuʋa anamazana matatu namakumi mapfumbamŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Utore gorosi nebhari, bhinzi nenyemba, mapfunde nesipereti; uzviise mumudziyo wokuchengetera uzvibikire chingwa. Unofanira kuchidya pamazuva mazana matatu namakumi mapfumbamwe wakavata norutivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Tora koroni nebhari nebhinzi nenyemba namapfunde nekoroni yesipereti uzvisanganise mumudziyo mumwechete ubike chingwa nazvo. Mumazuva acho aunenge wakatseyama norutivi aya, mazana matatu namakumi mapfumbamwe ndochaunenge uchidya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino utorewo zviyo nebhari nenyimo nenyemba namapfunde nesipereti uzviise mumudziyo mumwe, ugozviitira chingwa nazvo; unofanira kuchidya mazuva aunovata pasi parutivi rwako, iwo mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe.
Shona 2009?
"Zvino utorewo zviyo nebhari nemarendiri* nenyemba namapfunde nesipereti uzviise mumudziyo mumwe, ugozviitira chingwa nazvo; unofanira kuchidya mazuva aunovata pasi parutivi rwako, iwo mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino utorewo zviyo nebhari nenyimo nenyemba namapfunde neema uzviise mumudziyo mumwe, ugozviitira chingwa nazvo; unofanira kuchidya mazuva aunovata pasi parutivi rwako, iwo mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe.