Ezekiel 40:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kubva pamberi pesuʋo, paʋanopinda napo, kuȿikira pamberi peɓiraʋira resuʋo romukati, ɀakaita makubiti makumi mashanu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nhambwe dzaibva pamukova wesuo kusvikira kwokupedzisira kwebiravira dzakanga dziri makubhiti makumi mashanu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubvira pamberi peSuo Guru rokupinda naro kusvikira kwokupedzisira kwekamba komukati kepaSuo Guru pakaita makumi maviri amamita ana mamita mashanu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kubva pamberi pesuo, pavanopinda napo, kusvikira pamberi pebiravira resuo romukati, zvakaita mamita makumi mashanu.
Shona 2009?
Zvino kubva pamberi pesuo, pavanopinda napo, kusvikira pamberi pebiravira resuo romukati, zvakaita mamita makumi mashanu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kubva pamberi pesuwo, pavanopinda napo, kusvikira pamberi pebiravira resuwo romukati, zvakaita mamita makumi mashanu.