Ezekiel 40:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakandiisa muruʋazhe rwokunze, ndikaʋona makamuri neguʋa rakaroŋgwa namabge, ɀakaitirwa ruʋazhe kumatiʋi ose; kwakaŋga kunamakamuri makumi matatu paguʋa rakaroŋgwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akandipinza muruvazhe rwokunze. Ndakaona dzimba ikoko uye nzira dzakanga dzakavakirwa dzakakomberedza ruvazhe; makanga muna makamuri makumi matatu aiva mujinga menzira yakavakirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazondisvitsa munhandare yokunze, onei, imomo maiva nedzimba uye nekahuva kakanga kakatenderera nhandare iyoyo. Paiva namakumi matatu edzimba dzakanga dzakatarisana nekahuva ikako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akandiisa muruvanze rokunze, ndikaona makamuri neguva rakarongwa namabwe, zvakaitirwa ruvanze kumativi ose; kwakanga kuna makamuri makumi matatu paguva rakarongwa.
Shona 2009?
Zvino akandiisa muruvanze rokunze, ndikaona makamuri neguva rakarongwa namabwe, zvakaitirwa ruvanze kumativi ose; kwakanga kuna makamuri makumi matatu paguva rakarongwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akandiisa muruvanze rokunze, ndikaona makamuri neguva rakarongwa namabwe, zvakaitirwa ruvanze kumativi ose; kwakanga kuna makamuri makumi matatu paguva rakarongwa.