Ezekiel 40:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Makamuri aro aiʋa matatu necoʋuno, namatatu neceseri; mbiru dzaro namaɓiraʋira aro ɀakaŋga ɀakaenzana neciyero cesuʋo rokutaŋga; kureɓa kwaro kwakaȿika makubiti makumi mashanu noʋupamhi makubiti makumi maʋiri namashanu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makamuri aro, matatu kurutivi rumwe norumwe, masvingo aro aionekera nebiravira raro zvakanga zvakaenzana nezviya zvesuo rokutanga. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye rina makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dzimba dzaro dzomumativi dzakanga dzakati uku nhatu uku nhatu uye magwatidziro acho nekamba karo zvakanga zvakaenzana sezvakanga zvakangoitawo Suo Guru rokutanga. Urefu hwaro hwaiita makumi maviri amamita ana mamita mashanu, kufara kwaro kuchiita gumi ramamita rina mamita maviri ane hafu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Makamuri aro aiva matatu nechemberi, namitatu necheseri; mbiru dzaro namabiravira aro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuo rokutanga; kureba kwaro kwakasvika mamita makumi mashanu nohupamhi mamita makumi maviri namashanu.
Shona 2009?
Makamuri aro aiva matatu nechemberi, namatatu necheseri; mbiru dzaro namabiravira aro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuo rokutanga; kureba kwaro kwakasvika mamita makumi mashanu nohupamhi mamita makumi maviri namashanu.
Shona SUB 2002 Bible
Makamuri aro aiva matatu nechemberi, namitatu necheseri; mbiru dzaro namabiravira aro zvakanga zvakaenzana nechiyero chesuwo rokutanga; kureba kwaro kwakasvika mamita makumi mashanu nohupamhi mamita makumi maviri namashanu.