Ezekiel 40:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muruʋazhe rwomukati makaŋga munesuʋo rakatarisana nerimŋe suʋo, kurutiʋi rwokumsoro nokurutiʋi rwamabvazuʋa; akayera kubva kunerimŋe suʋo kuȿikira kunerimŋe suʋo ɀikaita makubiti anezana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakanga pane suo rinopinda muruvazhe rwomukati rakanga rakanangana nesuo rokumusoro, sezvazvakanga zvakaitawo nechokumabvazuva. Akayera kubva pane rimwe suo kusvikira pane rakanangana naro; aiva makubhiti zana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sezvakanga zvakangoitawo kumabvazuva, paiva pakatarisana neSuo Guru pakanga paine Suo Guru rokupinda munhandare yomukati. Iye ndokuera achibva pane rimwe Suo Guru kusvikira kune rimwe pakaita mamita makumi mashanu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muruvazhe rwomukati makanga munesuo rakatarisana nerimwe suo, kurutivi rwokumusoro nokurutivi rwamabvazuva; akayera kubva kune rimwe suo kusvikira kune rimwe suo zvikaita makubhiti ane zana.
Shona 2009?
Muruvazhe rwomukati makanga munesuo rakatarisana nerimwe suo, kurutivi rwokumusoro nokurutivi rwamabvazuva; akayera kubva kune rimwe suo kusvikira kune rimwe suo zvikaita makubhiti ane zana.
Shona SUB 2002 Bible
Muruvazhe rwomukati makanga mune suwo rakatarisana nerimwe suwo, kurutivi rwokumusoro nokurutivi rwamabvazuva; akayera kubva kune rimwe suwo kusvikira kune rimwe suwo zvikaita makubhiti ane zana.