Ezekiel 40:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
makamuri aro, nembiru dzaro, namaɓiraʋira aro; makaŋga munamawindi mukati maro kumatiʋi ose; pakureɓa ɀakaita makubiti makumi mashanu, napaʋupamhi makubiti makumi maʋiri namashanu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
sezvakanga zvakaitawo makamuri aro, namadziro aro aionekera uye biravira racho, uye rakanga rina mawindo kumativi ose. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dzimba dzaro dzomumativi namagwatidziro aro nakamba karo kapamusuo zvakanga zvakangoenzana. Uye raiva namahwindo mariri kuritendererera. Urefu hwaro hwaiva makumi maviri amamita ana mamita mashanu noupamhi hwaro hwaiita gumi ramamita rina mamita maviri ane hafu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
makamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro; makanga muna mahwindo mukati maro kumativi ose; pakureba zvakaita mamita makumi mashanu, napahupamhi mamita makumi maviri namashanu.
Shona 2009?
makamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro; makanga muna mahwindo mukati maro kumativi ose; pakureba zvakaita mamita makumi mashanu, napahupamhi mamita makumi maviri namashanu.
Shona SUB 2002 Bible
makamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro; makanga muna mahwindo mukati maro kumativi ose; pakureba zvakaita mamita makumi mashanu, napahupamhi mamita makumi maviri namashanu.