Ezekiel 40:37 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mbiru dzaro dzakaŋga dzakatarira kuruʋazhe rwokunze; kwakaŋga kunemicindwe pambiru dzaro, necoʋuno neceseri; cikwiriso caro cakaŋga cineɀikwiriso ɀisere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru kumativi ose, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kamba karo kapamusuo kakanga kakatarisana nenhandare yokunze. Raivawo nemifananidzo yemirara pamagwatidziro aro yakati mumwe uku mumwe uku. Matanho aro okukwirisa kwariri akanga ari masere.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mbiru dzaro dzakanga dzakatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe yakavezwa pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
Shona 2009?
Mbiru dzaro dzakanga dzakatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe yakavezwa pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.
Shona SUB 2002 Bible
Mbiru dzaro dzakanga dzakatarira kuruvanze rwokunze; kwakanga kune michindwe yakavezwa pambiru dzaro, nechemberi necheseri; chikwiriso charo chakanga chine zvikwiriso zvisere.