Ezekiel 40:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Murume uyo akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, tarira nameso ako, inzwa nenzeʋe dzako, uraŋgarire nomŋoyo wako ɀose ɀandicakuratidza; nokuti wakaȿitswa pano kuti ndikuratidze iɀoɀo; paridzira imba yaIsraeri ɀose ɀaunoʋona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murume uyu akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako uye unzwe nenzeve dzako uye uongorore zvose zvandichakuratidza, nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvi. Utaurire imba yaIsraeri zvose zvaunoona.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murume iyeyo akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu tarisa nameso ako unzwe nenzeve dzako uise pfungwa dzako dzose pane zvandichakuratidza nokuti chawaunzirwa kuno, kuitira kuti ndikuratidze izvozvo. Zvaunenge waona zvose zvitaurire kumba yaIsiraeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Murume uyo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako, inzwa nenzeve dzako, urangarire nomwoyo wako zvose zvandichakuratidza; nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvo; paridzira imba yaIsiraeri zvose zvaunoona.”
Shona 2009?
Murume uyo akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako, inzwa nenzeve dzako, urangarire nomoyo wako zvose zvandichakuratidza; nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvo; paridzira imba yaIsiraeri zvose zvaunoona."
Shona SUB 2002 Bible
Murume uyo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako, inzwa nenzeve dzako, urangarire nomwoyo wako zvose zvandichakuratidza; nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvo; paridzira imba yaIsiraeri zvose zvaunoona.”