Ezekiel 40:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tarira, kwakaŋga kunoruȿiŋgo rwakapoteredza imba necokunze; muruʋoko rwomurume uyo makaŋga munorutsaŋga rwokuyeresa narwo, rwakaȿika makubiti matanhatu pakureɓa kwarwo, rimŋe nerimŋe riciita ʋo kubiti rimŋe noʋupamhi bgecanza; ipapo akayera ʋukobvu bgoruȿiŋgo, ʋukaita rutsaŋga rumŋe, nokureɓa rutsaŋga rumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakaona rusvingo rwakanga rwakapoteredza nzvimbo yose, yetemberi. Urefu hwetsvimbo yokuera yakanga iri muruoko rwomurume uyu hwaisvika makubhiti matanhatua, rimwe nerimwe richiita kubhiti rimwe chete noupamhi hwechanzab. Akayera rusvingo; ukobvu hworusvingo hwakanga huchiita tsvimbo yokuyera imwe chete, uye urefu huchiita tsvimbo imwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakaona kuti paiva nerusvingo rwakatenderedza nhandare yose yeTemberi. Rutsanga rwokueresa rwakanga rwuri muruoko rwomurume uya rwaiva namakiyubhiti marefu matanhatu. Kiyubhiti racho iroro rimwechete, kureba kwaro kwaiita makumi mashanu amasendimita nemasendimita maviri. Akabvawo aera kureba korusvingo kuenda mudenga kukaita mamita matatu uye ukobvu hwaro hukaita maimita matatu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tarira, kwakanga kuno rusvingo rwakapoteredza imba nechokunze; muruoko rwomurume uyo makanga munorutsanga rwokuyeresa narwo, rwakasvika mamita matanhatu pakureba kwarwo, rimwe nerimwe richiitawo mita imwe nohupamhi hwechanza; ipapo akayera ukobvu hworusvingo, hukaita rutsanga rumwe, nokureba rutsanga rumwe.
Shona 2009?
Zvino tarira, kwakanga kuno rusvingo rwakapoteredza imba nechokunze; muruoko rwomurume uyo makanga munorutsanga rwokuyeresa narwo, rwakasvika mamita matanhatu pakureba kwarwo, rimwe nerimwe richiitawo mita imwe nohupamhi bwechanza; ipapo akayera ukobvu hworusvingo, hukaita rutsanga rumwe, nokureba rutsanga rumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tarira, kwakanga kuno rusvingo rwakapoteredza imba nechokunze; muruoko rwomurume uyo makanga muno rutsanga rwokuyeresa narwo, rwakasvika mamita matanhatu pakureba kwarwo, rimwe nerimwe richiitawo mita imwe nohupamhi hwechanza; ipapo akayera ukobvu hworusvingo, hukaita rutsanga rumwe, nokureba rutsanga rumwe.