Ezekiel 41:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mikoʋa yamakamuri okumatiʋi yakaŋga icitarira kurutiʋi rwenɀimbo yaiʋa yoga, mumŋe mukoʋa kurutiʋi rwokumsoro, mumŋe mukoʋa kurutiʋi rwezasi, ʋupamhi bgenɀimbo yaiʋa yoga bgakaita makubiti mashanu kumatiʋi ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwakanga kune mikova yaipinda kumakamuri okumativi uchibva nokunzvimbo yakashama, mumwe nechokumusoro, mumwe nechenyasi; uye hwaro hwaibatanidza nzvimbo yakasara hwaisvika makubhiti mashanu paupamhi kumativi ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Magonhi edzimba dzomumativi idzi aizaruka nokunzvimbo iya yakanga yakasiyiwa isina chinhu. Rimwe raizaruka rakanangana nokuchamhembe rimwewo rakanangana nokumaodzanyemba. Kufara kwenzvimbo iyoyo yokusiyiwa isina chinhu yaiita mamita maviri nehafu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mikova yamakamuri okumativi yakanga ichitarira kurutivi rwenzvimbo yaiva yoga, mumwe mukova kurutivi rwokumsuro, mumwe mukova kurutivi rwezasi, upamhi hwenzvimbo yaiva yoga hwakaita mamita mashanu kumativi ose.
Shona 2009?
Mikova yamakamuri okumativi yakanga ichitarira kurutivi rwenzvimbo yaiva yoga, mumwe mukova kurutivi rwokumsuro, mumwe mukova kurutivi rwezasi, upamhi bwenzvimbo yaiva yoga hwakaita mamita mashanu kumativi ose.
Shona SUB 2002 Bible
Mikova yamakamuri okumativi yakanga ichitarira kurutivi rwenzvimbo yaiva yoga, mumwe mukova kurutivi rwokumsuro, mumwe mukova kurutivi rwezasi, upamhi hwenzvimbo yaiva yoga hwakaita mamita mashanu kumativi ose.