Ezekiel 41:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Makamuri okumatiʋi akaŋga akaturikidzwa akaita matatu, rimŋe riri pamsoro perimŋe, ɀikaitwa runamakumi matatu; akaŋga akaʋakirwa mukati mamadziro eimba aiʋa kurutiʋi rwamakamuri okumatiʋi, kuti atsigirwe nawo; haana‐kutsigirwa namadziro eimba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makamuri omumativi akanga ane miturikidzwa mitatu, mumwe pamusoro pomumwe, makamuri makumi matatu pamuturikidzwa mumwe nomumwe. Makanga muna masherufu matetetete aipoteredza madziro etemberi aibatsira kutsigira makamuri omumativi, saka zvitsigiro zvakanga zvisina kuvakirwa mumadziro etemberi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dzimba dzacho dzomumativi dzaiva dzakaita nhurikidzwa nhatu, imwe iri pamusoro peimwe, dziri makumi matatu panhurikidzwa yoga yoga. Pakanga paine zvimwe zvokutsigirisa zvakavakwa mumadziro macho zvakabudira nechokunze kutenderera chidziro chose ichocho cheTemberi kuitira kutsigira dzimba dzomumativi idzodzo kuti dzirege kutsigirwa nechidziro cheTemberi iyoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Makamuri okumativi akanga akaturikidzwa akaita matatu, rimwe riri pamusoro perimwe, zvikaitwa runa makumi matatu; akanga akavakirwa mukati mamadziro eimba aiva kurutivi rwamakamuri okumativi, kuti atsigirwe nawo; haana kutsigirwa namadziro eimba.
Shona 2009?
Makamuri okumativi akanga akaturikidzwa akaita matatu, rimwe riri pamusoro perimwe, zvikaitwa runamakumi matatu; akanga akavakirwa mukati mamadziro eimba aiva kurutivi rwamakamuri okumativi, kuti atsigirwe nawo; haana kutsigirwa namadziro eimba.
Shona SUB 2002 Bible
Makamuri okumativi akanga akaturikidzwa akaita matatu, rimwe riri pamusoro perimwe, zvikaitwa runa makumi matatu; akanga akavakirwa mukati mamadziro eimba aiva kurutivi rwamakamuri okumativi, kuti atsigirwe nawo; haana kutsigirwa namadziro eimba.