Ezekiel 41:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Makamuri okumatiʋi akawedzera ʋupamhi pakupoteredza kwawo imba, acikwirira nokukwirira; nokuti kupoteredzwa kweimba kwakaramba kucikwirira kumatiʋi ose eimba; naiɀoɀo imba yakawedzera ʋupamhi pakukwirira kwayo; naiɀoɀo munhu waikwira acibva pakamuri rezasi kuȿikira kunerokumsoro, acipfuʋura napa kamuri rapakati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makamuri omumativi akanga akapoteredza temberi akanga akapamhama zvokuti riri pasi raipfuurwa neriri pamusoro zvichingodaro. Chidziro chaipoteredza temberi chakavakwa chichikwira nokukwirira, zvokuti kamuri dzaipamhamha munhu paakwirira kumusoro. Zvikwiriso zvaibva pasi zvichisvika kumuturikidzwa wapamusoro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kufara kwedzimba dzomumativi dzapasi dzacho kwaikurirwa nedzepamusoro. Dzepamusoro idzodzo dzichikurirwawo kufara nedzapamusorosoro, zvichifambiranawo nokukudzwa-kudzwa kwezvimwe zvokutsigirisa zviya zvakavakwa mumadziro zvichabudira nechokunze nhurikidzwa yoga yoga kutenderera Temberi iyoyo. Padivi peTemberi paiva namatanho aikwira mudenga. Ndiwo makwiriro aiita munhu kuti abve pasi achienda kumusoro achipinda nomunhurikidzwa yapakati.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Makamuri okumativi akawedzera upamhi pakupoteredza kwawo imba, achikwirira nokukwirira; nokuti kupoteredzwa kweimba kwakaramba kuchikwirira kumativi ose eimba; naizvozvo imba yakawedzera upamhi pakukwirira kwayo; naizvozvo munhu aikwira achibva pakamuri rezasi kusvikira kune rokumusoro, achipfuura napakamuri rapakati.
Shona 2009?
Makamuri okumativi akawedzera upamhi pakupoteredza kwawo imba, achikwirira nokukwirira; nokuti kupoteredza kweimba kwakaramba kuchikwirira kumativi ose eimba; naizvozvo imba yakawedzera upamhi pakukwirira kwayo; naizvozvo munhu aikwira achibva pakamuri rezasi kusvikira kune rokumusoro, achipfuura napakamuri rapakati.
Shona SUB 2002 Bible
Makamuri okumativi akawedzera upamhi pakupoteredza kwawo imba, achikwirira nokukwirira; nokuti kupoteredzwa kweimba kwakaramba kuchikwirira kumativi ose eimba; naizvozvo imba yakawedzera upamhi pakukwirira kwayo; naizvozvo munhu aikwira achibva pakamuri rezasi kusvikira kune rokumusoro, achipfuura napakamuri rapakati.